sexta-feira, 8 de janeiro de 2016

Mwaramu anobata mwana chibharo muCatandica

Por: John Chekwa
Mumwe murume uyo anoziwikanwa nezita rekuti Tarissai Chimbera, baba wevana vairi ano bata chibharo kuwata naye pabonde nechisimba mwana mwaramu wake nherera iyo ine makore gumi nemairi ekuberekwa. Izvi zvinoitika muGuta re Catandica, muBarue District muprovincia yeManica, munguwa dzemanheru wemusi we Chipiri chino(5) mumwedzi uno waNdira gore rino ra 2016
Kubudikidza nemashoko emwana uyu achimhangara kuRadio Catandica anoti mhombwe iyi yakabudisa banca ndokutyityidzirwa kuti akaramba aizochekwa.
 Zvakare mwana uyu anoenderera mberi achiti izvizvakaitika apo sisi wake mukadzi wemurume uyu akanga aendeswa kundobatira  basa reuguard kuchengete imba yemuwakidzani.

Dzimwe dzehama dzemwana uyu dzataura kuRadio Catandica kuti ichokwadi mwana uyu akararwa nemurume uyu  nechisimba.

Sem comentários:

Enviar um comentário

Moçambique a caminho da paz efectiva

Felizmente há avanços visíveis no âmbito das negociações de paz efectiva no país. Também os dois lideres, nomeadamente o Presidente da ...