Por: John Chekwa
Mumwe murume uyo anoziwikanwa nezita rekuti Tarissai Chimbera, baba wevana
vairi ano bata chibharo kuwata naye pabonde nechisimba mwana mwaramu wake nherera iyo ine makore gumi nemairi
ekuberekwa. Izvi zvinoitika muGuta re Catandica, muBarue District muprovincia
yeManica, munguwa dzemanheru wemusi we Chipiri chino(5) mumwedzi uno waNdira
gore rino ra 2016
Kubudikidza nemashoko emwana uyu achimhangara kuRadio Catandica anoti
mhombwe iyi yakabudisa banca ndokutyityidzirwa kuti akaramba aizochekwa.
Zvakare mwana uyu anoenderera mberi
achiti izvizvakaitika apo sisi wake mukadzi wemurume uyu akanga aendeswa kundobatira
basa reuguard kuchengete imba
yemuwakidzani.
Dzimwe dzehama dzemwana uyu dzataura kuRadio Catandica kuti ichokwadi mwana
uyu akararwa nemurume uyu nechisimba.
Sem comentários:
Enviar um comentário