segunda-feira, 22 de outubro de 2012

Mapurisa e Republic ye Mozambique (PRM) vanouraya chizvara cheZimbabwe pasina mhosvo


Mapurisa e Republic  ye Mozambique (PRM) vanouraya chizvara cheZimbabwe pasina mhosvo

22 Gumiguru  2012
By: JOHN CHEKWA
                                                 

Mapurisa e Republic yeMozambique wemudistrict reBáruè muprovincia ye Manica vauraya, kubaya nepfuti chizvarwa chenyika yeZimbabwe, mujaya uyu ane makore arikufungidzirwa kuti ari pakati pemakumi mairi nemarongomuna  kana kuti nemashanu, uyu aiziwikana nezita rekuti Tawanda Lovemore Chitsike. Zvinonzi mujaya uyu anobva KwaRusape kwaChendambuya, muprovinzi ye Manicaland muward 5, uyezve aigara muno muMozambique kuBairro Guebuza achita marikicho ekuzviraramisa kwemakore anosvika marongomuna.
Mutauriri weMapurisa e Republi yeMozambique muBarue waJanuario Banda wachitaura neCatandica Community Radio wabvuma kuti munhu uyu aurayiwa nemapurisa  nemusi wa 21/10/2012, nekuti anga achida kubvutira mapurisa aya pfuti uyezve anga ane banga.
Vatapi wenhau we Catandica Commmunity Radio (RCC) wakurukura nemupurisa wemuCommunity uyu anga aripo pazvakaitika, mupirisa uyu ati panguwa dza 21 hrs pasvika mapurisa e PRM mairi ndokubvunza zvitupa. Mupirisa weComunity akabva ataurira mapurisa aya kuti iyewo akanga aripabasa, nerimwediwi Twawanda semunhu akanga asina chitupa akabva amhanya ndokubayiwa nyere mbiri ndokufa.
Mupurisa weCommunity anoramba kuti Tawanda akanga achida  kubvutira mupurisa pfuti uye anorambazve masdhoko ekuti mushakabvu akanga aine banga.
Mupurisa uyu anoenderera mberi achitaurira Radio kuti mapurirasa ePRM muBarue District warikushanda nehuori wekubhadharisa awo wanenge wasina zvitupa mari inotanguirira pamakumi mairi kusvika makumi mashanu emitikazhi (20,00Mt to 50,00Mt).  Vakadzi awo wanonge wasina mari warikurarwa nechisimba kuripa mhosva yekushaya chitupa wamwewo wanonge waoneka nemari muhomwe wari kucheswa wotorerwa.
Wataura wakamirira MaZimbawean muno muguta re Catandica vamuzvare Liya Azarias Daca wati zvirinane kusungu nekudzokesa wanhu wasina zvitupa kunyika kwavo pane kuuraya kunge mbudzi.
Mashakabvu ari kutarisirwa kuchengetwa mangwana 23/10/2012 apo pachasvika wabereki wakwe kubva Kunyika yeZimbabwe.

Sem comentários:

Enviar um comentário

Moçambique a caminho da paz efectiva

Felizmente há avanços visíveis no âmbito das negociações de paz efectiva no país. Também os dois lideres, nomeadamente o Presidente da ...