sábado, 13 de abril de 2013

Kusungwa kwemukurumukuru weJornal @Verdade kutyityidzira kukuro kwazvo

Kusungwa kwemukurumukuru weJornal @Verdade kutyityidzira kukuro kwazvo
na John Chekwa


foto: Cidadão reporter

Kubudikidza nemuteedzeri wemukuru wepepanhau reJornal@Verdade va Aderito Caldeira, kusungwa kwawa Erik Charas kutyityidzira watapi wenhau.
No musi wa 12 mwedzi uno waKubvumbi 2013 mapurisa emumugwagwa wakasunga mukurumukuru we wepepanhau re Jornal@Verdade waErik Charas nemhosva isina makumbo.

VaAdérito Caldeira, vanoti mapurisa anekodzore dzekuita basa rawo wakasununguka mumugwagwa asi ngavasatyityidzire vanhu nekutyora mitemo wachishandisa chisimba chavo, pfuti pamwe chete nekusunga vanhu zvisiri pamutemo. Vanoenderera mberi vachiti kana munhu ashaisha ngaa bhadhariswe muripo kwete kumupfupfurudza kuenda naye kunzvimbo dzakasiyana siyana.

VaCaldeira vanokoshesa zvikuru mabasa ayo ari kuitwa newatapi wenhau wakazvimirira awo wanodaidzwa muchirungu kunzi Citizen Reporters.  ( Cidadao Reporter) Vanoti zvinhu zvakanaka chose kushambadza mashoko munyika yese kuitira kuti awo vanotyora mitemo wanyare.

VaErik Charas vanyora pafacebook kuti wanotondera apo vaikwidzwa mumotokari mashoko e mupurisa wePIC, ekuti “ uchave mugaiwa tichakugaya.” Zvisinei kubudikidza nemutori wenhau ( Cidadao Reporter) uyu akatora pikicha ndokutumira masoko kuwakuru wepepa reJornal@verdade nokudaro nyika yose yabva yaziwa izvo zvakaiitika.

Pari zvino va Erik Charas vari pamutambara kede havana kana chironda. VaAdérito vataurira weblog reNovidade de Barue - Manica kuti masangano esse ayo akazvimirira anofanira kuita chisungo nekubatana pamwe chete pakushambadzira mashoko ayo akanangana nemagariro evanhu munyika kuitira kuti zvinhu zvakaipa zvishaye simba

Sem comentários:

Enviar um comentário

Moçambique a caminho da paz efectiva

Felizmente há avanços visíveis no âmbito das negociações de paz efectiva no país. Também os dois lideres, nomeadamente o Presidente da ...